Happy new year sekuru,ko kurota urikumvura sometimes uripasi pemvura Kunze kuyineshumba,mubvura uyinasekuru, sometime uchiwona nyoka,ne hove hombe ye gold
Maswera cy sekuru nhasi ndazorota vari amai vangu vanga vachiti ndoda kubikira machembere ako saka ndakugadzirira kuenda kumusha sekur thnx very much ndichakubati paWhatsapp
Varipo vari kuti tinorota zvese, regai ndimbokupai muenzaniso. Unogona uine njuzu yeTsungunu asi worota makwaya, kana kuti kurota uchinaiwa, hazvirevi kuti watove kwese, asi kuti une Tsungunu ichazokupa pfuma. Uye uchabudirira mubasa mako ndiko kunaiwa
Happy new year Sekuru. Hongu vamwe tosangana nezvese zvamareva uye kuona chakaita chamupupuri asi chiri chemvura chiri mugungwa zvadudza njuzu ipi?
Happy new year sekuru.ndinotenda nedzidziso
Makadiiko Sekuru, ini ndarota ndichikumbirira ne hufu huchena, ne keduru chena
Pedzezo ndovha ndazoona shell, hadizive kuti zvinorevei
Tinotenda zvikuru sekuru nedzidziso yamatipa.👏👏👏 Merry Christmas ne2025 rakajeka.
@@samsonncube7481 happy new year 🎆
Pakanaka dzidzuso iti asi ndoda kuziva mabiko anoitwa pachivanhu ichochi nokuti masahwira edu amazuva ano vakungoti mabhitso nezvuwitsi ne wine
Ko kurota uchibhururuka nguva zhinji ndohope dzangu nekurota ndirikumvura ndichida kudhonzerwa mumvura ndichitya zvakanyanya. Zvekutoti muhupenyu chaiwo mvura ndotoitya handidi kusvika pane mvura yakaungana. Kana kunze kukaita mhepo yakawanda ndinotya zvakare zvisiri zvekumakope.
Happy new year sekuru,ko kurota urikumvura sometimes uripasi pemvura Kunze kuyineshumba,mubvura uyinasekuru, sometime uchiwona nyoka,ne hove hombe ye gold
@@CindyMhlanga-l3u idzi dziri kutsungunu asi une mamwewo mashavi anofamba nemudzimu waunenge unawo, ndosaka uchizoona shumba
Sekuru makadii. Sekuru ini handipedzi vhiki ndisina kurota mvura. Ndakamborota ndichipiwa tsvimbo tiriparwizi, uye shato . Ndirinyika irikure asi ndorota madziva ekumusha kwangu
@@07bk681 hope idzo dzirikunyanya kududzira vadzimu, hamuna kunyatsojekesa pamvura apa kuti tidziise kumanjuzu
@ ndakatomborota njuzu kaviri. Ndinenge ndirimumvura kana kuti ndiripanze pemvura
Makadii seruku Makoni, , merry Christmas n happy New year sekuru, , totenda nedzidziso, , , asi ini andichazive Sekuru nekuti hopedzangu dziri kwese ku Tsungunu nekuva Zungu seku taura kwamaita, , , ndinorota pamwe ndichifamba ndoerekana ndavemu gomo , ndosvika pane chimwe rakazara mvura ndoto pinda munzime riye kuzasi kwetsimwe tiripasi ndakanoona kune dzimba dzemauswa dzaiveko kuchito gara vanhu, vakato shamisika, vachindiona, , zvadaro ndinorota futi ndichifamba ndoerekana ndaku rwizi, asi ndedzichitya mvura ndichiti mumvura mune njuzu, ndakambo rota futi ndichifamba ndikaona mumwe murume akandi mhoresa ndakazo erekana ndave pasi pemvura kuma peto kwaiperera dziva asi pari pasi pemvura, , nemurume uye asi andina kuona makumbo ake zvaive akaita kunge nyoka kune besu asi kwaive kudzive raive kuno cherwa Goridhe, , ndakatya Sekuru akandisiyamo murume uye akabuda , , ndakasara ndakuto tarisa tarisa kuti andinga wane ka gold pasi ipapa kkkkkkkkkk abvaadzoka murume uye, , asi airatidza ange akatsamwa kuita sekuti panditora pane zvaakarwisana nazvo zvairamba neni , , sake ange akatsamwa kkkkkkk ndakazo pepuka , , ndikazo rota ndatorwa nemumwe mukadzi akatiza neni achipinda mumvura , akazondo ndipinda mune imwe ninga yange yakareba singaite yaibe pa side perwizi rwacho, , dzakawandisa Sekuru, , , ndogaro rota futi ndichiona vanhu vekuma sowe vakapfeka magemenzi avo vakawanda vachifamba, kana kurota ndiri mu Ndege , kana kurota Fish ,sake andichaziva kuti zvofamba sei kana kurota Shato iripasi pemvura sake uuuu ameno
@@moreblessingmoyo8067 Tsungunu inogona zvekare kutsvaka pfuma, kana kuti unenge uine rimwe shavi rinotsvaka pfuma. Zvimwe zvawataura ndichazvitarisawo muzvirongwa zvinotevera
@tsikadzevatema1381 totenda Sekuru
Totenda Makoni, Ko kurota uri muchamupupuri chokutakura asi urimo makati chinenge chisinău hukasha
Ko kushama n'ai kusvika wabuda musodzi zvinorei sekuru
Makadi sekuru ini ndinorota crocodile nenyoka hombe hombe inotyisa ndichizviona zviri pasi pemvura
Munhu anga garwe nedzese here?
Happy new year sekuru
@@ItaiKanhukamwe happy new year 🎆
Ndinotenda hangu sekuru asi ndinoshaya kuty ndingabatsir8kawo sei handina baba vakashaya hanzvadzi ndinovataurirawo makope angu asi havasimudzi musoro .Mai vangu vapenyu asi vava kugara kumusha kwavo kubva kufa kwaita baba vangu ..right now ndiri kurwadziwa nemakumbo kubva gore rapera asi anondirwadza kunze kochena Kuma 3 .4.5. chete every day 6.7 atonyarara ..uye ndineimwe nguva yandinotopiwa mishonga kuhope ndichinzi ndokutymakumbo apore asi panyama kuty ndi believe kuty zvinoshanda hre ndatambura Mai havatodi kuudzwa nezvazvo ..dzimwe nguva Mai vangu ndinotorota ndichivarova kuhope .. chero pakurarama panyama kuwirirana kwedu hakusiko kuita sekuty ndakatosengedzwa munyamaa uye sekuru ndinorota ndichibudirwa asi handisaty ndakambobudirwa nemudzimu
Uri muhombe
Tinotenda Sekuru tirikudzidza❤
Sekuru ini ndakarota shamwari yangu ichindiratidza doro robikwa kumamisha riya achiti iri ravira iri harisati.
@@josephshamba9547 kazhinji zhinji kurota doro panenge podiwa mupeta
Makorokoto egoredzva Sekuru
@@unclebeverage6837 muvewo negoredzva rakajeka
Maitabsa Sekuru ndokumbirawo kubvunza ini pese pandorota musikana ane besu mutema anotaura chisona asi hapana paanotaura zvakanaka anopopota husiku hwazuro chaiko aitase arimumba handina kunzwa zvaaitaura ndapedzisira ndavakubhuruka ndichitiza vanhu vachindimhanyisa
@@TafadzwaShonhai-w3x kubhururuka kukunda kana kuti success asi pamusikana apo panonetsa kuti tidziise kumanjuzu, vadzimu kana zvekare imwe mweya yekukadziva isina kumira zvakanaka. Kana kuti pane dare rausati wamisa zvakanaka riri rekumadziva
@tsikadzevatema1381 totenda Sekuru
Nhaisekru kurota uchipwa nhekwe 1 yanga inhe Bute imwe iine rukweza runyora ndikanzi idya tsanga dzezviyo dziri munhekwe
@@MEMORYMatsika-b3z pane chivanhu chirikudiwa mumatare enyu kunyanya kubika doro revadzimu
Sando kuna vanyati tiri kudzidza
Sekuru Nyathi tinotenda, makadini?
@@tsitsimatope5801 tiripo makadiniwo
@tsikadzevatema1381 Tinofara Nyathi. Wishing you a fruitful new year. Vari kumhepo ngavarambe vachifamba nemi pabasa rakanaka, guru ramuri kutibatira.
Tinotenda Sekuru nedzidziso yakakosha
Ko nhai sekuru ukarota uchitotaura nemurungu ari mumvura obva anyudza musoro obva abudisa besu rehove ndakatya zvekuti ne hope idzi
@@catherinewoodend-fs1xs mudzimu uyu unenge uine shavi renjuzu. Murungu wawakatanga kuona mudzimu, besu rehove ndiro shavi. Kazhinji zhinji mudzimu wakadai unopanda matare
Sekuru ndokumbirawo kubatsirwa ndine hope dzandi tambudza
Ko nhai sekuru ini ndorota zvese kutsungunu nevazungu zviriko here zvekuti njuzu idzi dzinogara dzese pamunhu one. Ndinopedzesera ndane confusion.......Tinotenda nedzidziso yenyu
@@otiliakaviya9954 handisati ndambosangana nemunhu ane dzese, asiwo unogona uine tsungunu asi ichikwanisa kutsvaka pfuma, kana kuti uine vazungu vanokwanisa kupanda matare, ipapo unogona kuona wave nęka confusion mbichana nekuti unenge uchitaridzwa zvese kupanda matare nekutsvagirwa pfuma
@tsikadzevatema1381 maita basa sekuru ndanzwisisa
Ko kurota varungu vaunoshanda nawo zvingarewe chinhu here,ndinotota varungu kakavandisa asi vamwe vacho ndinovaziva
@@vincentmakotore7517 kazhinji varungu vanouya vakamirira mudzimu hauvazivi uye unavaona kunzvimbo yausingazivi
Sekur ini ndorota ndichidzi nyaya yako inoda machembere asi ndikurota ndichidzi bika masvusvu handizive matare angu akamira sei
@@DelightMuchini-sx2qx kana ichinzi inoda machembere chikumbirira vakuvhurire kune machembere anokwanisa kupfuudza dare rako
Maswera cy sekuru nhasi ndazorota vari amai vangu vanga vachiti ndoda kubikira machembere ako saka ndakugadzirira kuenda kumusha sekur thnx very much ndichakubati paWhatsapp
sekuru ko kurota munhu akafa ari mupenyu nguva zhinji
@@LovenessMahachi-ni9fr pamwe handina kunzwisisa mubvunzo, asi kazhinji patinorota hama dzedu dzakafa, tinodziona kuhope sevanhu vapenyu. Kurota uchitaura navo zvinodudzira kuti une mudzimu
Ko nhai sekuru ini ndorota njuzu yechirungu asi inenge ine 2 dzeblack asi dzose dzakapfeka colour 1
@@EliceShindu ipapo panogona kundinetsa pakuti njuzu yechirungu nedzimwe dze black, handisati ndambosangana nazvo kana kuzvidzidzawo, ndichabvunza vamwe