Mwari Ngaarumbidzwe Kudenga- Catholic Joyful Melodies

แชร์
ฝัง
  • เผยแพร่เมื่อ 3 พ.ย. 2024
  • Mwari Ngaarumbidzwe Kudenga is a catholic hymn composed by the late A Chamunorwa. Performed by Catholic Joyful Melodies.
    Hymn 608- TINOKUTENDAI MAMBO (DZIMBO DZEKIRIKE KATORIKE) 1962 - 2011
    M: Mwari ngaarumbidzwe kudenga, ngaarumbidzwe
    Soprano: Mwari ngaarumbidzwe kudenga, pasi pano vaakanzwira tsitsi, Mwari
    ngaarumbidzwe kudenga, pasi pano - vagarike
    Alto: Tinokuimbirai-i, tinokupfugamira-aai, tino --- kurumbidzai
    Tenor: Vaakanzwira tsitsi Mwari-i-i, pasi pano, vagarike --- vagarike, vagarike
    Bass: Mwari-i ngaarumbidzwe kudenga, Mwari kudenga tinokukudzai, pasi-i vagarike
    Madetembo:
    1. Tinokutendai pamusana pamabasaa enyu makuru anoshamisa. Ngaarumbidzwe
    2. Tinokuomberai Mwari Mambo, imi Mambo wedenga, Mwari Baba vamasimba ose. Ngaarumbidzwe
    3. Tinokuomberai Mambo Yesu Kristo, Mwanakomana mumwe chete. Ngaarumbidzwe
    4. Mwari Mambo, hwayana yaMwari, Mwanakomana waBaba. Ngaarumbidzwe
    5. Imi munobvisa matadzo apasi, tinzwireiwo tsitsi. Ngaarumbidzwe
    6. Imi munobvisa matadzo apasi, donzwai zvichemo zvedu. Ngaarumbidzwe
    7. Imi mugere kurudyi rwaBaba, tinzwireiwo tsitsi. Ngaarumbidzwe
    8. Nokuti ndimi moga musande sande, ndimi moga Mambo. Ngaarumbidzwe
    9. Ndimi moga mukurukuru, Yesu Kristo imi naMweya musande, ndimi mune mbiri, pamwe naMwari Baba. Ngaarumbidzwe

ความคิดเห็น •